Saturday, September 4, 2010

Wabooka mugodhi wemari

Wabooka zvino mugodhi wemari
Wabooka mugodhi wepfuma
Wazobooka mugodhi weruzha nemheremhere

Taiti wauya mutepe wekuyambuka nawo mhiri senyika
Tichiti nzeve yaNyadenga yashamira mhere dzedu tose
Tichitizve misodzi yedu yapukutwa neunyoro hwedonje

Venhafu tovaona votungamira mberi nemhino
Veumbimbindoga voda kuzadza matura avo voga
Votungamira vachiti vakatimiririra

Vamuzhinji tongoyuwira nekushuvira
Pazuro ndipo panezero
Totongomirira kuti vagoguta

Vagogutaka zvavo vanematumbu asingazare
Vanepfini chena dzinenge tsitsi
Vane mukanwa munotapira nezviito zvine maburi

Vaya vasineyi neramangwana redu tose
Asi ravo voga munhatso dzavo nepwere dzavo
Ivo vanoda kumira mberi kwedu sevatungamiri izvo vari vatongi.

Vaya vasinganyare kuona misodzi yechembere
Chete ndizvo zvazvinoita kana wabooka mugodhi wemari
Kudai vachingogutawozve vamwe vagodya musaririrwa.

NaDydimus Zengenene
____________________________________________________

1 comment:

  1. yah iyi yakaoma iyi.asi inotsuurawo vaneudyire.

    ReplyDelete