Vakomana shoko rinofambaRimwe rinokubata munzira wakavarairwa
Rimwe ndorinouya paugere semuyeni
Rimwewo unotoriendera kuKereke uchiritsvaka
Ini rakandibaya rakandibata pari pamariro
Akanga azorora ndisahwira wepodyo
Ndaiti misodzi yangu inoera haingobudi seyepwere
Musi uyu ndakabaiwa nerina mangove panyama nhete
Ndakazhamba sechindumure charumwa nerize
Uyu wakanga waenda ndiye waiva tsika nditsikewo
Sahwira anenge hama yeropa
Kudai wakatorwa zvake nedenda, ndaiti nana hasa
Zvino akangotonhodzwa kamwe sembeva yarohwa neriva
Ndiko kwakabva kwava kusiya nyemba kwake wepedyo
Rinda zvino rakati rashama kuti rimedze hama yangu
Iye takamuzvambaradza neche parutivi
Hapana chikoro chinodarika ichi vakomana
Ndainzwa kuti ndini ndakanga ndarasikirwa neupenyu
Ndichiona kuti ndakanga ndapinda mu’lab’, ndichiita ma“practicals” erufu
Murume waiparidza wakasimudza izwi rake
Zvakanzi 'vehama mumwe wenyu wati gunduru uyu, watoenda
Wasara kutevera mumwe wedu ari pano
Hazvidi denda kana chinoshamisira kuti utevere
Zvino nyaya yerufu handiyo inotyisa kwete,
Asi kutoti kwaendwa newafa kunoda gadziriro
Ipapo ndakanzwa hana kuti tii,
Ndakaona kuti nehama taive vatsikidzani,
Mumwe aigona kutevera apa aingove ini chete
Nekuti ndinizve ndaifamba naye, tichimwidzana nekuputidzana
Ndakatanga kuona mumvuri verufu uchinzvera pedyo neni
Muparidzi ndokuenderera nenyaya yekutya Mwari
Hoyo wasvika nepambavha mbiri pachikomo cheGorokota.
Apa ndakaona varume vatatu vachirembera, vose vakatarisana nerufu
Runova rumwe chete rwakanga rwahwapura sahwira wangu mushakabvu
Chokwadi shoko reparufu museve chaiwo
Zvabuda pachena zvino kuti anotya Mwari anorarama
Kwakati konaya chapwititi chemibvunzo
Zvakanzi, iwe zvaunoba hautye mwari here?
Zvaunoroya hautyi Mwari here?
Ko zvauri mhombwe hautye Mwari here?
Kana pane mutadzi akasara kubvunzwa musi uyu anemidzimu yake
Ndakanzwa muviri wose kuzara chando
Ipapo shoko richindityaira nemvura nemumvura
Kuita sendaidanwa nezita, ndichinzi nguva yakwana
Zvandaimboziva here kuti ndiri mbwende yakadaro?
Kudai zvaitizwa, chokwadi ndaisva ndabereka tsoka
Ndakatanga kuona hunhinhi hwangu wekusatya Mwari
Apa zvaitove pachena kuti handisi nhinhi yerufu
Shoko rakanobaya chaipo pagaringiro renharo
Wanikwe kwangove kungodemba chazuro neche mumoyo
Kudai pasina kuzonzi Mwari anoregerera, kudai pakaitika zvimwe
Asi handisi ndega ndatambwa yakanaka naro shoko iri
Hapo panodzikiswa mufi
Mhere yakatetsurwa ndakatoti Gehena ratosvika
Kushinga kana kurega, wakaona misodzi yechembere, newe unochemawo chete
Vose vaiimba yaingove misodzi yoga, kufema sevakashwetedzwa huro nemusungo
Iri ndiro shoko rakandisunga mbira dzakondo
Shoko raireva zvandaiona kwete zvemakuhwa
Kudai mose maive panhamo iyi, makereke angadai nhasi azere
Na Dydimus Zengenene
_______________________________________________________
Apa mfundisi took advantage of your feelings, haa asi shona yako yakabaka munyori, utori dhara pamadhara, my advice is that u join preaching
ReplyDelete