Saturday, September 4, 2010

Titambirei mauya

Titambirei mauya
Mauya mudariro rekwaZengi
Dariro remufaro nenyemwerero
Titambirei zvamasvika

Ndirori dariro risina muko
Kwatinodzana ngoma nedzisina mitsindo
Tichiseka guhwa nerisina kurehwa
Kwatinoreva chawakaona setaive newe
Titambirei zvamadai kusvika

Tinopinda nzira takananga”kwaZuro”
Tigotenderera tiri muno “maNhasi”
Tigobhururuka takananga “kwaMangwana”
Zvose tiri muno mudariro
Simukai mudzane kana taridza yekwenyu
Titambirei zvamasvika

NaDydimus Zengenene
________________________________________________________

No comments:

Post a Comment