Sunday, September 19, 2010

Uraya nyoka iyo

Seri kwako kwaita nyoka
Nyoka inemavara, mavara anoyevedza
Asi inyoka ine mazino, mazino anotoruma
Nyoka ine uturu, uturu hunouraya
Tora danda, ugouraya nyoka

Kupusa kwaro bvumbwe ungati rine usahwira
Kupenya kwayo mhakure ungati inotandadza
Kukura kwayo shato ungati inogarirwa
Tora danda ugouraya nyoka

Nyoka muyeni asingadiwe
Kana yasvika tinotarisana, neziso rinoti nyoka
Tokwetsura nhere tichitsvaga danda
Danga rekuuraya nyoka
Chitora danda tibaye nyoka iyo

By Dydimus Zengenene
______________________________________________________

No comments:

Post a Comment