Kana vafemerwa zvavo varume ava, unoti zvine chinoshura
Chokwadi anofamba newe, seanzwa nemakuhwa
Anokuperekedza kutsotso, modzoka, moenda kutsime mugodzokazve,
Pose pose zvapo, mati pane panosara here?
Kana vaferwa vanhu ivava.
Kwadziya-dziya rimwe ramangwanani
Ndakazi titamure tsoka semunhu akanga anonoka kumuka
Ndichangoti pote mudhuri wekutanga, wepiri, ndakanzwa haikona kutaura
Majaha nemhandara zviri kushimanda zvakanyura mudenga rechina
Kamoyo kakati dongoresawo uone, yekusada kudarikwa iyoyi.
Ndichingoti godi pamusiwo, zvikomana zviviri zvitiwo pfacha
Zvakanga zvakachena senyoka chaiyo, inofamba muvhu yogoramba ichipenya
Izvo zvidzipanyota zvichirembera, ndakati regai ndione
Zvakanzi garai nepapa vakuru
Ndiye zenze tunduma, chigaro kwevei gozo ndotarira zvangu mberi
Nyamba ndadenha zvangu mago, kudai ndisina kuuya.
Ndakati ndagara zvangu, ndichizvishamira nyayi, mbovha dzichiyerera
Rakati ravhurwa bhaibheri
Mai vairiverenga vaiti vakasimudza izwi mudenga, vorideredza sevanoteura mvura mupfuko, nechemumoyo ndakati mai vane murume here ava?
Vekuterera vachingogutsurira misoro,
Chokwadi ndakati kunamata kwatanga, izvo ndaizvinyepera
Rakati rorapamurwa zvino namufundisi
Achipetenura zvirahwe zvaro shoko
Ndakatanga kunzwa kahana kurova, izvo haasati atanga
Godi godi atove pamukova pangu, ndakati hezvo richiri shoko here iri?
Ndure ndure asvika nekwandaive zuro, ndakati yowe ndiyani akuhwidza?
Nanai nanai nadzo hope dzandarota, ini hezvo murume abvepi uyu?
Pori pori, nemupfungwa dzangu, mate mukanwa, ndiye papata
Hoyo ochindityaira zvino sembongoro, vamuzhi vachisimukira, zvanzi seva mufundisi
Ini kwangu zvakanga zvatominama, ndakanga ndatogarwa matunduru
Chigaro chotokwata sechiri pamoto, terera unzwe zvoita mudumbu.
Ndiyani aita makuhwa kuna mundisi, angave anizve, ini ndaive ndega zvangu
Chakanga changosara kudomwa nezita chete, fananidzo dzese dzakananga nekwangu.
Ndakati ndisimuke, ndakaona ndatove pamhene
Vanhu vese vaiita sevakanditarira, izvo vakatarisa zvavo mberi
Pakazonzi vayeni simukai, vakati vandipinza chando ini masikati machena
Kutarisana meso namufundisi kudai, chokwadi taisazivana
Ndakazongoti pamwe rima rine makuhwa
Ndizvo zvavanoita kana vafemerwa zvavo.
NaDydimus Zengenene
________________________________________________________
No comments:
Post a Comment