Wednesday, September 8, 2010

Vakaenda kunovhima

Musha warema, vana vasara vashoma
Vazhinji vakaenda kunoshava
Kunovhima kumasango ari kure
Majaha nemhandara vakabata uta nemiseve
Havo vakananga kunotsvaka muto.

Kunovhima kumasango anotyisa
Kwavasingadiwe neshuma dzeko, vachinzi vangapedza nyama
Kwavasingadiwe nemakudo eko, zvanzi vangapedza marize
Kwanovengwa nemadzishe eko, zvanzi vanotyora miko
Asi dzakashinga zvadzo pwere dzakaenda kunoshava

Dzinoziva kusina mai hakuendwe
Asi kana panamai pasina muto
Dzotoenda zvadzo kwavasiri, kuti navowo vawane chekuseva
Ndizvo vakaenda kunovhima
Kunovhima kumasango ari kure
Kwavanongodzoka kamwe pagore

Munoziva vapenyu kana vatumira shoko
Pamwe nekanyama kakasasikwa
Kuti nemi mugonyautsa mukanwa
Muchiziva vakaenda kunovhima

Kunovhima kumasango matema nemachena
Kwavanobata pamwe nekupotsa
Chingozivai vakaenda kunovhima
Vachauya kana kunze kwachena.

NaDydimus Zengenene
________________________________________________________

No comments:

Post a Comment