Sunday, September 12, 2010

Shoko harivhikwe

Murume mukuru akasimuka zvinyoronyoro seabatwa nechiveve
Mabvi achidedera setsanga dziri mumvura
Ipapo ziya rakatanga kumutekenyedza muviri wose sekunge ari kunanairwa neuzanguku
Paakasimuka, akatenderera nemba yese seanzwa shoko rerufu
Aiti kuchamhembe, oti mumavirira, oti kumaodzanyemba
Paaitizve kuchamhembe, ainobva azunza musoro.

Paakadazve kumira akanzwa hapwa dzose dzototota, ziya richidhubhuka sechitubu
Ipapo mudumbu makaita semapinda gonzo nekatsi
Zvakatsikirirana gonzo rotsvaka pokubuda napo richishaiwa
Muchadenga akanga otoona chapwititi chemhute
Shiri yaichema panze yaiita seyaiimbira dutu rerufu kuti rigomusimudza
Akanzwa makumbo oremerwa nemuviri
Ndokunzwa izwi raimudana nechekure-kure
Ipapo musoro woita seuri kupepetwa muchisero
Apa ndipo paakagumira kuziva zvaiitika

Patova paya, vemabasa vatozarira masasa, vaenda
Ndipo paakazoti papamu, ndokuona akati rabada segavi
Musoro, dundundu, musana, veduwee, hapana pakanga pasina kutota
Zvakanga zvaitika ndizvo zvakanga zvaitika, murume yakanga yatove pwere chaiyo
Zvakamukatyamadza asi simba akanga asati ava naro

Ipapo akasveerera kapepa kakanga kakati kuputyu nechekokoko
Ndokutarira seri kwako ndokuona kwakanyorwa kuti Sekai
Akasveererazve mbozhanhare yake, ndokuona kune katsamba kaibva kuna Sekai
Ikako ndiko kaatanga kuverenga ndokuona kakanzi
“Zvandareva mutsamba ndizvozvo”
Ndangariro dzakachitanga zvino kurudunuka seshinda yepamutepe
kwava kuzoziva kuti zverudo naSekai zvaramba.


Na Dydimus Zengenene

______________________________________________________

No comments:

Post a Comment