Pipiiii pi vanokukuridza zvavo vakomana vemuchovha
Ndiwoka atove machongwe muno muguta
Vanokuudza kuti kwachena,
Chiuya tiyende kwaunoswera,
Kwaunorangarira zuva nezuva
Iko kuchikurangarira kamwe pamwedzi
Topitipidzana zvedu, machongwe adanidzira
Kana voruma nzira
Chokwadi vakomana machongwe ivava,
Vose vatyairi vanopeuka setseketsa, hanzi regai vaende
Achangoti pfuure, omira zvake pakati penzira, oshevedzera ‘two’ vari kuenda
Ungamuitei iye ndiye kachongwe.
Iye mutyairi haana chitamba, iwo mukaka mamhino uchierera
Zuro ndakamuona, nhasi ndamuonazve, asi mapurisa ibvakanyira munzira
Hwindi oti 'garisanai makawanda vamwe pfekeranai makumbo makatarisana'
Zvekunyarana pasi tsve, ndiko kana woda kuenda
Iye wokufukurira hapwa dzanzwa zvadzo nenyota
Wotongobata mhino wakanyarara
Ko mungamuiteiko mose muri tseketsa
Akada kubhuruka nemi mungati akatakura manhanga
Chenyu kungobatira hana mumaoko
Muchinyengetera kutsvaka nyasha dzaMwari
Kuti ushame muromo unonzi sara panzira,
Kana wada kuenda wotofa wakanyarara sehwai
Vari kutotonga muguta vakomana ava
Kana wodzoka unomuona akakumirira
Unonzwa woti ‘hazvinei kuti wanga ugere pachigaro chinotenderera, pano pahofisi yangu mira pamutsara’
Kana nechembere isina mazino inototi imire kusvika atonzwawo tsitsi
Mungaiteiko zvarehwa nejongwe.
Vari kutonga vakomana kumaguta ekwedu.
Na Dydimus Zengenene
________________________________________________________
hehehe "hapwa dzanzwa zvadzo nenyota
ReplyDelete" mavhindi ngaageze nhai