Saturday, September 4, 2010

Upenzi hwepauriri

Chataiziva mugudza itsikidzi neinda
Asi waiti wakageza zvaipera
Uyu museve wamera pabonde uyu, aiwa tapera

Pwere dzonange marinda neupenzi
Dzonanzve rufu naho hwepauriri
Ndiyani aiziva kuti bonde richamera mazino akadai

Kunzi baba zvaireva bvakanyira revakadzi
Zvichinzi chinochembera itseketse, jongwe rinofa richikukuridza
Chaifadza chinombori chii nhai vakuru?
Ndihwoka upenzi hwepauriri

Zvino nhasi pauriri pamera huriri
Unogwabvura wakananga kumarinda
Upenzi hwava tsono inobaya

Ndikareko pamaiseva muto neupfeve vatete
Nhasi unochiruma churu zuva rakacheka nyika
Izvi hazvichadi upenzi, upenzi hwepuriri

Kufara ngatifarei hama,
Kudya kunwa kutamba nekuraradza
Asi upenzi yava svita yapamawere,
Totongoidya zvedu nemeso.

By Dydimus Zengenene
___________________________________________________

5 comments:

  1. This comment has been removed by a blog administrator.

    ReplyDelete
  2. Izvi ndezve padonde neAIDSs nhai, munoseva zvineunyanzvi baba.

    ReplyDelete
  3. ah, upenzi hwepauriri.inga zvakaoma chokwadi.

    ReplyDelete
  4. Ko handina kukwana ndaita sei nhai muverengi? Ko picture yangu zvaanongove makumbo evanhu amunoziva wani?

    ReplyDelete