Friday, October 1, 2010

Mashoko asahwira

Nehumba kuchenuka kudai kwakanaka here?
Matama kusvava kudai hakusi kwava kuenda here uku?
Magumbo makatungamidza
Mamoyo akazotevera
Aka ndiko kasara aka
Nakowo hakanzwe
Kauraye.

Ko waiti uri kunakirwaka sahwira
Izvo waitotsika “banana” ipo paya
Chete kwauri kuenda hapana asingatevere
Kana ini ndinogona kutokutangira izvozvi
Mumwe atorohwa nemota izvozvi atoenda
Mumwe angoti arare ndiye papata
Iwe uri kutoboira boira zvako, tichitandara pano sahwira

Ndiri sahwira ndinoreva nemazwi andinoda
Ndipewo muchero wawasiya uyo ndisvisvine
Udza mwana andibaire huku ndiyende
Ndokuona mangwana nehumba
Chirega ndimbonofudza mbudzi

Ndizvo zvinoita shoko rasahwira
Kuruma richifuridzira
Kurerutsa zvakaoma
Kudai tisipo maivigwa nani
Chisara zvakanaka, ndinouya ndokugezesa.

Na Dydimus Zengenene
____________________________________________________

No comments:

Post a Comment