Wakaona kufara ungati ndakagarika
Kuseka ndoseka zvangu nhamo kunge rugare
Kana ndodya mari ndodya sendine imwe
Izvo ndiri mupurwa zvangu
Ndinotamba zvangu nevane mari dzavo
Ndichidya nevane twunhu twavo
Ini chandinacho hapana zvangu
Ndingoriwo zvangu mupurwa
Ndiri mupurwa puranai
Hukurutombo chaiwo yemugomo
Musvuuganda, dzvinyu risina kana gushe
Tsobonya invhara urema nemachira
Veduwee ndiri mupurwa
Handingatsamwire kushaya kwangu
Handina godo neane chake
Uri mufaro ndinopawo kune vanouda, wangu haungapere
Ndotsamwa nhasi mangwana fare
Ndichichemei zvangu, ndiri mupurwa
Kana kufa handizeze, panyika ndinosiyei chinoshura?
Munongochemawozve kuti chaenda chisekeranzira chiya
Veruchiva munotarisei, dura rangu harina kana nyimo?
Ndingoriwo mupurwa zvangu ini.
Regai ndiende zvangu ini chenzira
Ndiwo mubairowo wandakapiwa naMusikavanhu
Pandasvika vanondipawo mutsago, vachiona kuti ndiri mupfuuri
Ndakumbira mvura, hapana angandipa muchetura
Sezvo vachiziva kuti ndiri mupurwa
NaDydimus Zengenene
______________________________________________________
No comments:
Post a Comment