Iwe chikomana, nyadzi wakaisepi?
Tarira kupfeka ungati wamanikidzwa
Iko kufamba ungati pasi pari kupisa
Inga vezera rako vanonyarawo waniko?
Iwe dzako nyadzi wakaisepi?
Iko kesekera-nzira ungati chana chenzenza
Kutarisa ungati chizizimbori charara nenzara
Kutaura ungati kurutsa paruzvhinji
Ganda kumeso hapatorina
Ko idzo nyadzi dzakamboendepiko?
Pawasvika wafukura hapwa kufumura kunobviwa
Kungosekererwa chete, watoti waona shamwari
Kuita guhwa rinosembura senzvarakanwe yarambwa nemurume
Kuparadza dzinza zvose nemusasa
Idzo nyadzi dzava kutengeswa here?
Nyadzi dzakaendepi munhu wemurume?
Usinawo hana yakatsitswa yakadzikama
Iro bapu kureruka seregwai
Kungoona rokwe hauchaziva nechekutaura
Kwava kubvarura nembereko yakakubereka
Kwatove kutuka mai nyakutumbura
Nyadzi dzakamboendepiko nhai veduwe?
Iko kuda kufadza aripo nekureva asipo
Kuzoti kubvunza bvunza ungati ihan'ya
Izvo kutsvaga guhwa rekuvesa kana kovira
Rega kunyadzisa rudzi ukadaro chikomana
Rega kupaza musasa wesungano muuvakidzani shamwari
Kuzvireva ungati tareba miromo
Chinyara ugosvodawo zvinoita vamwe
NaDydimus Zengenene
_______________________________________________________
No comments:
Post a Comment