Pota seri ugoona zviri kwedu
Dutu rechinyakare rinongovhuvhuta
Mushana wechizvino-zvino hauna simba
Rufaro neruvengo zvinogarisana
Zvichidya mundiro imwe semapatya
Veko havadamwe nemazita kwete, asi nemitupo
Unoziva kuti kwafarwa kana kwatsigwa mukombe
Kana vetsvimbo vofamba vachitsika matama adzo nzira
Vachiimba idzo dzavo dzechinyakare
Dzimwe dzingori nemusambo dzisina mazwi
Unongonzwa iye iye iye, heya, heya, heya
Apa kunoendwa nekunobviwa hapana anoziva
Unoziva kuti kwadyiwa kana yatunga muti
Pwere dzarwidzana kugocha susu
Veshashiko vachibvunza kwaenda musiya vakatambarara parukukwe
Venhabwa vachibvuridza musoro pamarimi emoto
Izvo vari pamumvuri vachiti zuva kupisa
Tatsikwa nevaeni unonzwa nekuuchira
Vematongo vachibvunzana mutonhoro
Mhandara dzopfugama nezvikombe zvemvura
Richikungwa jena rineutsi husingatosvore
Chekuruboswe chichigochwa kubika chinganonoka
Nzungu dzichikangwa kuti vafanodzora moyo
Kumatare dzinotongwa dzeuroyi, nekutorerana vakadzi
Kumatsime dzizere nyaya dzemakuhwa
Kumombe vachirovana netsvimbo vakomana
Asi pakuchema vanonyaradzana
Panhamo votakudzana semasvosve
Paunherera vachirererana pwere
Ipapo nyasha nepfini zvichisanganiswa
Veduwee zviri pedu apa
Na Dydimus Zengenene
______________________________________________________
No comments:
Post a Comment