Friday, October 15, 2010

Nyadzi wakaisepi?

Iwe chikomana, nyadzi wakaisepi?
Tarira kupfeka ungati wamanikidzwa
Iko kufamba ungati pasi pari kupisa
Inga vezera rako vanonyarawo waniko?
Iwe dzako nyadzi wakaisepi?

Iko kesekera-nzira ungati chana chenzenza
Kutarisa ungati chizizimbori charara nenzara
Kutaura ungati kurutsa paruzvhinji
Ganda kumeso hapatorina
Ko idzo nyadzi dzakamboendepiko?

Pawasvika wafukura hapwa kufumura kunobviwa
Kungosekererwa chete, watoti waona shamwari
Kuita guhwa rinosembura senzvarakanwe yarambwa nemurume
Kuparadza dzinza zvose nemusasa
Idzo nyadzi dzava kutengeswa here?

Nyadzi dzakaendepi munhu wemurume?
Usinawo hana yakatsitswa yakadzikama
Iro bapu kureruka seregwai
Kungoona rokwe hauchaziva nechekutaura
Kwava kubvarura nembereko yakakubereka
Kwatove kutuka mai nyakutumbura
Nyadzi dzakamboendepiko nhai veduwe?

Iko kuda kufadza aripo nekureva asipo
Kuzoti kubvunza bvunza ungati ihan'ya
Izvo kutsvaga guhwa rekuvesa kana kovira
Rega kunyadzisa rudzi ukadaro chikomana
Rega kupaza musasa wesungano muuvakidzani shamwari
Kuzvireva ungati tareba miromo
Chinyara ugosvodawo zvinoita vamwe

NaDydimus Zengenene
_______________________________________________________

Sunday, October 3, 2010

God says I saw you

I saw you my son, I saw you my daughter
I saw you crying for happiness, and I listened for your prayer but I never heard it
Instead you mentioned your wishes and strengthened yourself
Albeit by yourself

I saw you hungry, I saw you thirsty
I stretched my arm and you never noticed
I knocked your senses but you closed your doors
I wanted to show you where to be full, but you strengthened yourself
Albeit by yourself

I even saw you behind that corner
Rolling the scroll of ganja
Puffing it up in the skies as if to let me smoke too
I saw you staggering in that madness but you strengthened yourself
Albeit by yourself

I saw you around the table of joy
Dining with friends, washing your brains in beer
I saw you sinking deep in confusion
Before I arrived, you strengthened yourself
Albeit by yourself

I saw you coveting that lady
I heard your heart saying you love her
I saw you coveting that muscular man
I checked your imagination, it said he was good for you
I knocked your senses, but your strengthened yourself and went ahead
Albeit by yourself

I even saw you in the process
Spoiling your own self at the price of pleasure
Buying the killer disease at the price of joy
You smiled and gave thanks
Albeit not to me

Now I see you in pain, suffering the consequences,
I mercifully draw near to knock your senses again
Yes, I hear you praying in response
You seek my divine intervention, my miraculous healing
I offer my hand once again, this time not to heal you
But to pull you home

By Dydimus Zengenene
____________________________________________________

Ndiri mupurwa

Wakaona kufara ungati ndakagarika
Kuseka ndoseka zvangu nhamo kunge rugare
Kana ndodya mari ndodya sendine imwe
Izvo ndiri mupurwa zvangu

Ndinotamba zvangu nevane mari dzavo
Ndichidya nevane twunhu twavo
Ini chandinacho hapana zvangu
Ndingoriwo zvangu mupurwa

Ndiri mupurwa puranai
Hukurutombo chaiwo yemugomo
Musvuuganda, dzvinyu risina kana gushe
Tsobonya invhara urema nemachira
Veduwee ndiri mupurwa

Handingatsamwire kushaya kwangu
Handina godo neane chake
Uri mufaro ndinopawo kune vanouda, wangu haungapere
Ndotsamwa nhasi mangwana fare
Ndichichemei zvangu, ndiri mupurwa

Kana kufa handizeze, panyika ndinosiyei chinoshura?
Munongochemawozve kuti chaenda chisekeranzira chiya
Veruchiva munotarisei, dura rangu harina kana nyimo?
Ndingoriwo mupurwa zvangu ini.

Regai ndiende zvangu ini chenzira
Ndiwo mubairowo wandakapiwa naMusikavanhu
Pandasvika vanondipawo mutsago, vachiona kuti ndiri mupfuuri
Ndakumbira mvura, hapana angandipa muchetura
Sezvo vachiziva kuti ndiri mupurwa

NaDydimus Zengenene
______________________________________________________

Saturday, October 2, 2010

Musatambe naMwari

Varume musatamba naMusikavanhu
Regai kumira mberi muchitisembura nenhema
Muchitsvaka kutikanda musango rinorura mapere
Kuti tigofa tichidyiwa nemagora
Tigorangwa nejamhu rine mafeso

Ari pano anoti Mwari
Ari apo anotiwo Mwari
Izvo pamashoko muchipikisana
Ko zvamunoti ndimi mune meso,
Zvino isu mapofu totsikawo papi?

Kutituma kudzana ngoma nedzisidzo
Kutituma kutsinhira shoko nerenhema
Chokwadi musatamba nemweya yavanhu
Muchiita sezvinonzi mune wenyu wamakasika
Vamwe muchademba nezuva rekugumisira

Chiregai kudhonzera mhomho musango
Muchitsvaka mbiri nekutibatisa panotsvedza
Kana musingazive nyararai zvipere
Mugouya kune vamwe titsvake idi tiri tose
Asika iye musiki anoziva mhuri yake

Regai kudhonza ndebvu dzake semune zera naye
Siyai zvekumutokonya kutsvaka uturu hwake
Vane chido mutsvagei muri pachokwadi
Nenyasha muchasangana naye kana marasika pamharadzano
Imi vekungwarisa musatamba naMwari

NaDydimus Zengenene
___________________________________________________

Zviri kwedu

Pota seri ugoona zviri kwedu
Dutu rechinyakare rinongovhuvhuta
Mushana wechizvino-zvino hauna simba
Rufaro neruvengo zvinogarisana
Zvichidya mundiro imwe semapatya

Veko havadamwe nemazita kwete, asi nemitupo
Unoziva kuti kwafarwa kana kwatsigwa mukombe
Kana vetsvimbo vofamba vachitsika matama adzo nzira
Vachiimba idzo dzavo dzechinyakare
Dzimwe dzingori nemusambo dzisina mazwi
Unongonzwa iye iye iye, heya, heya, heya
Apa kunoendwa nekunobviwa hapana anoziva

Unoziva kuti kwadyiwa kana yatunga muti
Pwere dzarwidzana kugocha susu
Veshashiko vachibvunza kwaenda musiya vakatambarara parukukwe
Venhabwa vachibvuridza musoro pamarimi emoto
Izvo vari pamumvuri vachiti zuva kupisa

Tatsikwa nevaeni unonzwa nekuuchira
Vematongo vachibvunzana mutonhoro
Mhandara dzopfugama nezvikombe zvemvura
Richikungwa jena rineutsi husingatosvore
Chekuruboswe chichigochwa kubika chinganonoka
Nzungu dzichikangwa kuti vafanodzora moyo

Kumatare dzinotongwa dzeuroyi, nekutorerana vakadzi
Kumatsime dzizere nyaya dzemakuhwa
Kumombe vachirovana netsvimbo vakomana
Asi pakuchema vanonyaradzana
Panhamo votakudzana semasvosve
Paunherera vachirererana pwere
Ipapo nyasha nepfini zvichisanganiswa
Veduwee zviri pedu apa

Na Dydimus Zengenene
______________________________________________________

Friday, October 1, 2010

Mashoko asahwira

Nehumba kuchenuka kudai kwakanaka here?
Matama kusvava kudai hakusi kwava kuenda here uku?
Magumbo makatungamidza
Mamoyo akazotevera
Aka ndiko kasara aka
Nakowo hakanzwe
Kauraye.

Ko waiti uri kunakirwaka sahwira
Izvo waitotsika “banana” ipo paya
Chete kwauri kuenda hapana asingatevere
Kana ini ndinogona kutokutangira izvozvi
Mumwe atorohwa nemota izvozvi atoenda
Mumwe angoti arare ndiye papata
Iwe uri kutoboira boira zvako, tichitandara pano sahwira

Ndiri sahwira ndinoreva nemazwi andinoda
Ndipewo muchero wawasiya uyo ndisvisvine
Udza mwana andibaire huku ndiyende
Ndokuona mangwana nehumba
Chirega ndimbonofudza mbudzi

Ndizvo zvinoita shoko rasahwira
Kuruma richifuridzira
Kurerutsa zvakaoma
Kudai tisipo maivigwa nani
Chisara zvakanaka, ndinouya ndokugezesa.

Na Dydimus Zengenene
____________________________________________________