Hezvo pakupepeta kwambuya
Mhodzi yakasvika munoiona nekusimba
Panosimuka rusero inoenda mudenga
Panodzika rusero nayo inotevera
Asi gufu unoriona nekuenda nemhepo
Kwarinonomhara unotozviona kuti ratove rara.
Pamwe rapinda murusero, pamwe rabuda
Hero pepere pepere raenda
Mbuya havangaritevere nekuti irara
Kudai iri mhodzi vaitoikotamira
Asi kana mhodzi yacho yakaramba ichingobuda vanozongosiya
Vanosiya yodyiwa zvayo nehuku
Vangaidiiko iyo yaenda nemarara
Magufu ndiwo marara, marara ndiyo mbwizhu
Vachaidii mbwizhu kana vakaifushiira inongoora haichamere
Kana iri mhodzi yakapepereka nembwizhu kaviri, vanobva waziva kuti nayo yakadyiwa nerukonye
Rangove dende moyo hapachina
Kutaridzika zvayo asi yatovewo marara
Yapedza chembere yosvipira mate pamarara heyo mumba
Marara kumarara mhodzi muchitura
NaDydimus Zengenene
No comments:
Post a Comment