Ini ndaisaziva kuti kana mhepo inombomira kufamba kana zvinhu zvaminama. Chemusi uyu chaisada n’anga kushopera, kana neshiri dzakadedera. Neni ndakazvionawo kuti chiso chemunhu chinotaura ngano. Musi uyu hapana kuridzwa dare ramangwanani samazuva ose. Pwere dzakangoona mukuru kuti vhe dzichibva dzapitipidzana kunanga pamutsara. Hapana kana akati bufu, waingonzwa kufema kwetumwe twaibva twaita setuchawira pasi nekuneta sezvo twakanga twamhanyidzana sembeva chaidzo.
Necheseri kwaidzi kumakaururo kakuruva kakabva kamona apo chikwata chaibva kuHaramba chakange chanzwa hwema hwekushanduka kwekunze. Varairidzi vakadhonza midhebhe yavo ndokuita wavo mutsara nechekumadokero vakatarisana nekamushana kaiti pfaa kunyura mutsinga kana zvakanaka. Asi ipapo hapana akanzwa kuti kwaive neuchi hwemushana hwakadaro. Gomo rakanga rawa zvechokwadi.
Kubva mukuru zvaakamira, hapana chaakataura asi zvaioneka kuti chimwe nechimwe chaiziva nzvimbo yacho. Vakanga vanonoka vaizivawo pekumira. Kudai Satan aivepo naye aitomhanyirawo kwake kuGehena. Mufundisi Kapendeke vakasvikawo vakabata bhuku ravo dzvene ndokusvikomira kwakadaro vachitarisirawo kuti nguva yavo ichasvika vagowana mukana, asi hazvina kufamba saizvozvo.
Kuzoti kufemura kwese kwapera, mukuru akashama ndokuti:
“Kana uchiziva kuti wakarova Ms Cherrybird! Famba uya mberi. Ndati famba wega!.”
Wakamboti tore mafemo kwechinguvana, ndokutizve, “ Ndavakudzokorora rwepiri. Ndati Kana wakarova Ms Cherrybird! Famba!”
Izwi raibuda raive riri gobvu, raizhezhera zvine mutsindo. Kunyangwe waive
Ipapo ndakaona twana kuti tumhu tumhu twakanaga mberi. Ndakanzwa varairidzi kutora befu nekushamisika. Izvi zvaingoreva chete kuti nyaya yakanga yakakora muto. Ipapo neiwo ndipo pandakagona kufema, mudumbu makanga matokwata kunyangwe zvazvo ndaisaziva kuti aimbonzi Cherrybird ndiyani. Aiwa, ndaiziva asi kutoti pakanga pasina mukana wekuyeuka mazita evanhu panguva yakadai. Nyoka mudumbu dzakanga dzotomhanyidzana. Ndaiedza kufunga kuti ndini here ndakarova Ms Cherybird. Ndiri munguri kupishana kudai ndipo pandakaona kuti pane vaitofamba vachienda mberi. Ndiko kuzoti nyevenu. Asi kudai pane akandinongedza, handifunge kuti ndairamba sezvo pfungwa dzakanga dzaparara kare kare. Asi ndinoziva kuti ndaisava ndega munjandaya iyi. Zvimwe ndaitove nani. Zvaitooneka kuti vanamuzhinji vandakanga ndakamira navo vakanga vari pachimanikire chaipo.
Kuzoti vakarova Ms Cherrybird vamira mberi, mukuru akangobvunza kuti, “Vakwana here?” Hapana akagona kudaira, asi chanasikana chemumwe mukuru wedu wataiziva nekuti VaMakomo chakabva chazvurunuka kubva muruzhinji chichienda mberi. Tose takangoshama. Chokwadi hapana aizvitarisira.
Ipapo mukuru ndokutaura shoko rake ramazuva ose raiita serwiyo:
“Hatidi vana, nhunzvatunzva, nhundiramatsime, nyiramativi”. Achitendeuka kutarisa chikwata chekurova Ms Cherrybird, akati, “Nangai mukamba akoooooo”
Ndirini zvangu handina kuda kuziva kuti chii chainoitika mukamba kairehwa. Asi zvaive pachena kuti kwainotsve matemo mipini ichisara. Taingoziva chete kuti mhere, misodzi madzihwa nezvimwe zvaizobuda mberi ikoko. Kana pane chaisara chaiva nemudzimu yacho.
No comments:
Post a Comment