Ndakunzwa wanditi muherehere
Ehe ndiri muherehere wemandiririri
Wanzwa here kuti ndati ndiri muherehere?
Saka wauya naho here hupfu hwacho?
Huya hwatinobika naho hwahwa
Heya hwanga hwatokukora nechekare here?
Ihwo husati hwaparurwa
Inga unemaramba hwahwa
Wanzwaka kuti ndiri muherehere
Huyaka titambe hwekwedu huya
Tichihukwekweta huchibva muhari
Hona kunyarara ungati hunhu
Iho hunhu hwekukwereta hunooneka kani
Hunenyadzi dzakahwanda muhuso hunongoboiraboira
Kana waramba hatina hukukutu newe
Tongonwa hwemubhodhoro rekasitoro
Nekuti tiri maherehere
Usashame kana ndati rara ugondorotawo
Zvimwe ndingaite rombo rakanaka
Ndirege kusekwa nevanonditi muherehere
Herere herere ndozvifarira hangu ini hura hwemuherehere
Na Dydimus Zengenene
________________________________________________________